1 Samuel 17

Dhavhidhi naGoriati

1Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka. 2Sauro navaIsraeri vakaungana vakadzika musasa mumupata weEra, vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia. 3VaFiristia vakatora chimwe chikomo, vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata.

4Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatu
mamita angaita 3
.
5Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanu
makirogiramu angaita 57
;
6pamakumbo ake akanga akapfeka zvidzitiro zvendarira, uye pfumo rendarira rakanga rakarembedzwa kumusana kwake. 7Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki, uye muromo waro wesimbi wakanga uchirema mashekeri mazana matanhatu
makirogiramu angaita 7
. Mutakuri wenhoo yake aifamba ari mberi kwake.

8Goriati akamira akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handisi muFiristia, uye imi hamusi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri. 9Kana achigona kurwa uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ndikamukunda ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu uye muchatishandira.” 10Ipapo muFiristia akati, “Nhasi ndiri kudenha hondo dzavaIsraeri! Ndipei murume kuti tirwe.” 11Sauro navaIsraeri vose vakati vachinzwa mashoko omuFiristia vakavhunduka uye vakatya.

12Zvino Dhavhidhi akanga ari mwanakomana womuEfurata ainzi Jese, uyo akanga achibva kuBheterehema reJudha. Jese akanga ana vanakomana vasere, uye pamazuva aSauro akanga ava mutana, akwegura, ava namakore mazhinji. 13Vanakomana vaJese vakuru vatatu vakanga vatevera Sauro kuhondo: Wokutanga akanga ari Eriabhi; wechipiri, Abhinadhabhi; uye wechitatu, Shama. 14Dhavhidhi ndiye akanga ari muduku kuna vose. Vakuru vatatu ava vakatevera Sauro, 15Asi Dhavhidhi aimbobva kuna Sauro achidzokera kundofudza makwai ababa vake kuBheterehema.

16Kwamazuva makumi mana, muFiristia akauya pamberi mangwanani oga oga namadekwana akamira.

17Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chitora efa
marita angaita 22
iyi yezviyo zvakakangwa nezvingwa izvi gumi ukurumidze kundopa madzikoma ako kumusasa wavo.
18Uendewo nezvidimbu izvi zvechizi kumukuru wechiuru. Uone kuti madzikoma ako akadini ugouya neshoko rinobva kwavari. 19Vari pamwe chete naSauro navarume vose veIsraeri muMupata weEra kwavari kurwa navaFiristia.”

20Mangwanani-ngwanani, Dhavhidhi akasiya boka ramakwai rino mufudzi, akarongedza akaenda, sezvaakanga arayirwa naJese. Akasvika pamusasa varwi pavakanga vobuda kuti vaende kunzvimbo dzavo dzokurwira, vachiita ruzha rwehondo, 21VaIsraeri navaFiristia vakanga vakamira pamitsetse yavo vakatarisana. 22Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake zvino mutariri wenhumbi, akamhanyira kwakanga kwakamira varwi, akakwazisa madzikoma ake. 23Paakanga achitaura navo, Goriati, muFiristia, shasha yaibva kuGati, akabuda kubva kumitsetse yokwake akadanidzira achimhura sezvaaisiita, uye Dhavhidhi akazvinzwa. 24VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru.

25Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.”

26Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu agobvisa chinyadziso ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?”

27Vakadzokorora kwaari zviya zvavakanga vachitaura vakati kwaari, “Ndizvo zvichaitirwa munhu anomuuraya.”

28Eriabhi, mukoma mukuru waDhavhidhi, akati achimunzwa achitaura navarume vaya, akamutsamwira zvikuru, akamubvunza akati, “Seiko iwe waburuka ukauya kuno? Ko, makwai mashoma aya waasiya naani kurenje? Ndinoziva manyawi ako nokuipa kwomwoyo wako; waburuka kuno kuti uzoona hondo chete.”

29Dhavhidhi akati, “Ko, zvino ndaita sei hangu? Ko, handingatongotauriwo here?” 30Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo. 31Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana.

32Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.”

33Sauro akamupindura akati, “Haungagoni kuenda kundorwa nomuFiristia uyu; iwe uchingori mukomana zvako, uye iye akagara ari munhu wokurwa kubva paujaya hwake.”

34Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, 35ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. 36Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. 37Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.”

Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.”

38Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake.

39Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira.

Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa.
40Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia.

41Zvichakadaro, muFiristia, nomutakuri wenhoo yake mberi kwake, vakaramba vachiswedera pedyo naDhavhidhi. 42Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza. 43Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri nezvimiti?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi. 44Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!”

45Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. 46Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. 47Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.”

48MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. 49Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera nechimviriri akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake.

50Saka Dhavhidhi akakunda muFiristia nechimviriri uye nedombo; akauraya muFiristia asina munondo muruoko rwake.

51Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo.

VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza.
52Ipapo varume veIsraeri neveJudha vakaenda mberi vachidanidzira uye vakatevera vaFiristia kusvikira pasuo reGati nokumasuo eEkironi. Vakafa vavo vakati kata kata mumugwagwa weShaaraimi waienda kuGati nokuEkironi. 53VaIsraeri vakati vadzoka kundodzinganisa vaFiristia, vakapamba musasa wavo. 54Dhavhidhi akatora musoro womuFiristia akauya nawo kuJerusarema, uye akatora zvombo zvomuFiristia akazviisa mutende rake.

55Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?”

Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.”

56Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri, mwanakomana waaniko?”

57Dhavhidhi akati achangobva kundouraya muFiristia, Abhineri akamutora akamuendesa pamberi paSauro, Dhavhidhi achakangobata musoro womuFiristia.

58Sauro akamubvunza akati, “Uri mwanakomana waaniko, nhai mujaya?”

Dhavhidhi akati, “Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese wokuBheterehema.”

Copyright information for SnaBDSC